Romans 16

Kwaziso

1Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria. 2Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.

3Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu. 4Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.
5Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.
Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.
6Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.
7Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.
8Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She. 9Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.
10Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.
Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.
11Kwazisai Herodhioni, hama yangu.
Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.
12Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.
Kwazisai mudikani wangu wepamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.
13Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.
14Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.
15Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.
16Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.
Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.

17Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo. 18Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri. 19Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.

20Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.

Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

21Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.

22Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.

23Gayasi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai.

Erastasi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.

24Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

25Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura, 26asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende, 27kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.

Copyright information for SnaBDSC